Top Songs By Leonard Dembo and The Barura Express
Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Leonard Dembo & The Barura Express
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Leonard Dembo
Songwriter
Lyrics
Ruva rangu ratanhwa naniko?
Ndatsvaga padavi raroka ndarishaya
Njiva yangu yatorwa naniko?
Ndatsvaga mudendere rayo ndaishaya
Njiva yangu yatorwa naniko?
Ndatsvaga mudendere rayo ndaishaya
Vane chigumbu chikuru amai
Vanditanhira ruva ravo ndariramba
Vane chigumbu chikuru ambuya
Vanditanhira ruva ravo handiride
Ndavaudza varamba amai
"Ndinaye wangu nzungu muchiona ndamenya"
Ndavaudza varamba ambuya
"Ndinaye wangu nzungu muchiona ndamenya"
Wakanaka mwana weshoroma
Ndinomuda anodiwa nevakawanda
Dai wananawo naye
Wakanaka mwana weshoroma
Ndinomuda anodiwa nevakawanda
Dai wananawo naye
Ndinzwewo mwana weshoroma
Nhume dzangu dzawanda
Nyuchi dzisina basa dzinouya dzisina maruva ka
Ndatambura newe iwe
Ndikafunga mwana we shoroma, wandipengesa
Ndatadza kuziva nezvandiri kufunga newe iwe ka
Ndikafunga mwana weshoroma, wavapengesa
Vatadza kuziva nezvari kuronga newe iwe ka
Ndikati ndifare newe vane chizondo
Kuti nditaure newe ruvengo rwuripo
Ndichatosiyana newe iwe kuti vafare ava
Ndichatosiyana newe iwe kuti vagarike
Ruva rangu ratanhwa naniko?
Ndatsvaga padavi raro ka ndarishaya
Njiva yangu yatorwa naniko?
Ndatsvaga mudendere rayo ndaishaiwa
Nzembe yangu yatorwa naniko?
Ndatsvaga mudendere rayo ndaishaiwa
Vane chigumbu chikuru amai
Vanditanhira ruva ravo ndariramba
Vane chigumbu chikuru ambuya
Vanditanhira ruva ravo handiride
Ndavaudza varamba amai
"Ndinaye wangu nzungu muchiona ndamenya"
Ndavaudza varamba ambuya
"Ndinaye wangu nzungu muchiona ndamenya"
Wakanaka mwana weshoroma
Ndinomuda anodiwa nevakawanda
Dai ndawananawo naye
Wakanaka mwana weshoroma
Ndinomuda anodiwa nevakawanda
Dai ndawananawo naye
Ndinzwewo mwana weshoroma
Nhume dzangu dzawanda
Nyuchi dzisina basa dzinouya dzisina maruva ka
Ndatambura newe iwe
Ndikafunga mwana we shoroma, wandipengesa
Ndatadza kuziva nezvandiri kufunga newe iwe ka
Ndikafunga mwana weshoroma, wavapengesa
Vatadza kuziva nezvari kuronga newe iwe ka
Ndikati ndifare newe vane chizondo
Kuti nditaure newe ruvengo rwuripo
Ndichatosiyana newe iwe kuti vafare ava
Ndichatosiyana newe iwe kuti vagarike
Ndichatosiyana newe iwe kuti vafare ava
Ndichatosiyana newe iwe kuti vagarike
Ndichatosiyana newe iwe kuti vafare ava
Ndichatosiyana newe iwe kuti vagarike
Ndichatosiyana newe iwe kuti vafare ava
Ndichatosiyana newe iwe kuti vagarike
Ndichatosiyana newe iwe kuti vafare ava
Ndichatosiyana newe iwe kuti vagarike
Lyrics powered by www.musixmatch.com