Lyrics

Taiva takadzvinyirirwa tisingagoni kudzidzisa vana Taiva takadzvinyirirwa tisingagoni kudzidzisa vana Paiva pamusana pekushaiwa mari yefundo nokuita zvose Paiva pamusana pekushaiwa mari yefundo nokuita zvose Tave kuzvitonga fundo yave pachena, yave pachena Tave kuzvitonga fundo yave pachena, yave pachena Dzidzai vakomana musimudzire rudzi rwedu Dzidzai vasikana musimudzire rudzi rwedu Dzidzai vana imi mune moyo muchena Tarirai nyika zvino zvayaita Dzidzai vana imi mune moyo muchena Tarirai nyika zvino zvayaita Dzidzai vana imi mune moyo muchena Tarirai nyika zvino yapinduka Fundo inonakidza kwauri kana uchiikwanisa Fundo inonakidza kwauri kana uchiikwanisa Fundo inokosha kwauri kwese kwauchafamba famba Fundo inokosha kwauri kwese kwauchafamba famba Fundo inokosha kwauri kwese kwauchasevenza Fundo inokosha kwauri kwese kwauchasevenza Vachairi vedzimotokari (zvinoda vakadzidza) Vagadziri vedzimotokari (zvinoda vakadzidza) Ivo vachairi vedzindege kani (zvinoda vakadzidza) Vachairi vezvikepe kani (zvinoda vakadzidza) Vatungamiri venyika kani (zvinoda vakadzidza) Iko kutungamira nyika kani (zvinoda vakadzidza) Mabasa ese ese kani (zvinoda vakadzidza) Mabasa ese ese ka (zvinoda vakadzidza)
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out