Top Songs By Nyami Nyami Sounds
Lyrics
Imi munondivenga, kundivengera imba yangu
Asi pandaivaka mose maizvionaka
Hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka?
Hapana chinouya choga usina kuchifambira
Imi munondizvonda, kundizvondera mombe dzangu
Asi pandakatenga mose maizviona
Mukoma, hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka?
Hapana chinouya choga usina kuchifambira
Kana imi muchindizvonda, kundizvondera chipo changu
Asi pandakapihwa mose maizvionaka
Hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka
Hapana chinouya choga usina kuchifambira
Meso dzvoko-dzvoko kazevezeve rinenge basa
Kuda kuziva ndinozviita sei
Ko ndibvunzeika munzwe kwandiri
Zano marairanwa wani inga munozviziva wani

Lyrics powered by www.musixmatch.com