Lyrics

Imi munondivenga, kundivengera imba yangu Asi pandaivaka mose maizvionaka Hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka? Hapana chinouya choga usina kuchifambira Imi munondizvonda, kundizvondera mombe dzangu Asi pandakatenga mose maizviona Mukoma, hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka? Hapana chinouya choga usina kuchifambira Kana imi muchindizvonda, kundizvondera chipo changu Asi pandakapihwa mose maizvionaka Hauzivi here kuti chitsva chiri murutsoka Hapana chinouya choga usina kuchifambira Meso dzvoko-dzvoko kazevezeve rinenge basa Kuda kuziva ndinozviita sei Ko ndibvunzeika munzwe kwandiri Zano marairanwa wani inga munozviziva wani Meso dzvoko-dzvoko kazevezeve rinenge basa Kuda kuziva ndinozviita sei Ko ndibvunzeika munzwe kwandiri Zano marairanwa wani inga munozviziva wani Meso dzvoko-dzvoko kazevezeve rinenge basa Kuda kuziva ndinozviita sei Ko ndibvunzeika munzwe kwandiri Zano marairanwa wani inga munozviziva wani
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out