Top Songs By Oliver Mtukudzi
Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Oliver Mtukudzi
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Oliver Mtukudzi
Songwriter
Lyrics
Kana usati waputudza, hausati wakura
Kungoputudza chete, hazvirevi wakura
Hausati wabva zera, hausati wabva zera
Hausati wabva zera, hausati wakura
(Maiwe ndochema) huwoo
(Maiwe ndochema) wochemeiko mwanawe?
(Maiwe ndochema) hmm, maiwe
(Maiwe ndochema) hoo mwanawe
Haungaroodzwe usati wakura
Haungawanikwe, usati wakura
Usati wabva zera, usati wabva zera
Usati wabva zera, usati wakura
(Maiwe ndochema) inzwai tsitsi, inzwai tsitsi
(Maiwe ndochema) kuda kupfuma nemisodzi yemwana
(Maiwe ndochema) haa, babawe
Hamungamuroodze mwana, haasati akura
Kutadza kumuchengetedza kusvike ayaruke
Kuda kupfuma nemisodzi yemwana
Kuda kugarika nemisodzi yemwana
Haasati akura
Haasati abva zera
(Maiwe ndochema)
(Maiwe ndochema) nemisodzi yemwana
(Maiwe ndochema)
Kana usati waputudza, hausati wakura
Iko kungoputudza chete, hazvirevi wakura
Hausati wabva zera
Haasati abva zera
(Maiwe ndochema) kuda kupfuma nemisodzi yemwana
(Maiwe ndochema) kutsvaga rugare nemisodzi yemwana
(Maiwe ndochema) haasati abva zera
(Maiwe ndochema) haasati akura
Hausati wabva zera
Haasati abva zera
(Maiwe ndochema) hona wachema mwanangu
(Maiwe ndochema) Bhetekera achema mwana uyu
(Maiwe ndochema) haasati abva zera
(Maiwe ndochema) haasati abva zera
(Maiwe ndochema) varume vakuru nyarai
(Maiwe ndochema) vana mbuya nyarai
(Maiwe ndochema) oh babawe, haasati abva zera
(Maiwe ndochema) aiwa haasati akura
(Maiwe ndochema) hona kutetekera mwanayu
(Maiwe ndochema) hazvingadaro mwana iwe
(Maiwe ndochema) hauasati wabva zera
(Maiwe ndochema) haasati abva zera
Writer(s): Oliver Dairai Mtukudzi
Lyrics powered by www.musixmatch.com