Lyrics

Mudikani kufa wasvova Usina nekumbondipawo ruonekedzo Wadarirei kundisiya ndichidzimbwa nemoyo Wadarirei kundinzvenga mudikani Dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka dzoka Dzoka wangu Nhai veduwe mwana uye andisvova kani Anzvengeswa mandiri nevanotonga zvavo iwe Ndakarivara ndisina kana fungidziro Ndakarivara ndiri mukati merima Munoziva kunzvengwa newawanga wakakoshesa muhana Munoziva kunzvengwa newawanga wakakoshesa muhana Idi unonzwa seiko Sokuti ndikarangarira izwi rako chete mumwe wangu kani mumwe wangu Ndikarangarira izwi rako chete mumwe wangu kani mumwe wangu Misodzi yangu mudikani inoyerera kani Misodzi yangu mudikani inoyerera kani Idzo ndangariro dzezvataiita paye Dzondifungisa kure kusingasvike vapenyu Ndangariro dzezvataiita paye Dzondifungisa kure kusingasvike vapenyu Mwachewe wangu iwe Mwachewe wangu iwe woye Mwachewe Wanyanyowanei chatokupa kukanganwa nezvanguwo Wanyanyopiwei chatokupa kukoshiwa nezveduwo Ndima yawanga watanga yave kuda kupedziswa Ndima yawanga watanga yave kuda kupedziswa Zanda rawakasiya rave kuda kuvhumbamirwa Izwi rangu ndiro raita doko mudikani kani Izwi rangu ndiro raita doko mudikani iwe Deno ndazhamba zvimwe waindinzwawo mudikani kani Deno ndazhamba zvimwe waindinzwawo mudikani iwe Nesimba rangu ndiro raita shoma mwachewe kani Nesimba rangu ndiro raita shoma mwachewe iwe Deno ndine masimba ndaiuya kuzokubvutayo Deno ndine masimba ndaiuya kuzokubvutayo Sekuti ndikarangarira izwi rako chete mumwe wangu kani mumwe wangu Misodzi yangu mudikani inoyerera kani Idzo ndangariro dzezvataiita paye Dzondifungisa kure kusingasvike vapenyu Mwachewe wangu iwe Mwachewe wangu iwe Zvawakatotora zvombo zvese mudikani kani Zvawakatakura zvombo zvese mudikani iwe Hondo ikauya ndichabatana neiko Hondo ikauya ndingabatana neiko Zvawakatakura chikafu chese mwachewe kani Zvawakatakura chikafu chese mwachewe iwe Nzara ikauya ndichabatana neiko Nzara ikauya ndingabatana neiko Zvakaoma dhiya Angova maroto nendangariro Ndingakuone sei wafuratidzwa moyo Angova maroto nendangariro Ndingakuone sei wafuratidzwa moyo Zvaita sei mudikani kubva waita museve waenda neuma Ko nyaradzo iripi Donhodzo kune rimi rinoririma mukati memoyo Kune rimi rinoririma mukati memoyo Douya undinyaradzewo Douya undipukutewo masodzi Douya undipungudzewo shungu
Lyrics powered by www.musixmatch.com
Get up to 2 months free of Apple Music
instagramSharePathic_arrow_out