Similar Songs
Credits
PERFORMING ARTISTS
Killer T
Performer
COMPOSITION & LYRICS
Killer T
Composer
PRODUCTION & ENGINEERING
Ali
Producer
Lyrics
Killer T
Alleviator
Navigator
Handiti waiona
Vanhu zvavakashatira
Muzita raBaba, Baba tinoda kufara
Nekuti kana matimutsa chasara kuyenda kunorara
Ndiani akati chidhakwa hachizive Mwari?
Nekuti akagadzira doro, njere akapihwa nani?
Tiri vana venyu Baba tinoda kumbofara
Panonakidzwa vamwe, Baba hatidi kuzosara
Machembere ndavadeedza vanditi kutamba vanonyara
Mukadhakwa monetsana pachenyu, izvozvo zvakasara
Kuyenda kumafaro tinototanga tanamata haikona
(Ahe-e tinototanga tanamata)
Kana tikadhakwa tinototanga tanamata Baba
(Ahe-e, ahe-e tinototanga tanamata)
Kuyenda kumafaro tinototanga tanamata haikona
(Ahe-e tinototanga tanamata)
Kana tikadhakwa tinototanga tanamata Baba
(Ahe-e, ahe-e tinototanga tanamata)
Papinzwa munamato, tadzinga mhepo
Tawanirwa nyasha samai vaJesu
Huyai nema-cider, ndinoda Label
Tawedzera nyama, isai pa-table
Padzingwa nhamo
Hurombo ngaubve pano
Wanga wandinyanyira
Ini handikude
Nhasi dakumbofara
Hapana zvekumbonyara
Mwari vanochengeta kunyangwe vari kurwara
Maiwona varume?
Kuyenda kumafaro tinototanga tanamata haikona
(Ahe-e tinototanga tanamata)
Kana tikadhakwa tinototanga tanamata Baba
(Ahe-e, ahe-e tinototanga tanamata)
Kuyenda kumafaro tinototanga tanamata haikona
(Ahe-e tinototanga tanamata)
Kana tikadhakwa tinototanga tanamata Baba
(Ahe-e, ahe-e tinototanga tanamata)
Honai manje takutora mari
Kudai Jesu vachiuya vachinja mvura tombonwa wine
Nekuti ndivo muchengeti, kufamba nesu hamuneti
Nyangwe ndiite sebenzi, fambai nesu hamuneti
Muzita raBaba, Baba tinoda kufara
Nekuti kana matimutsa chasara kuyenda kunorara
Ndiani akati chidhakwa hachizive Mwari?
Nekuti akagadzira doro, njere akapihwa nani?
Kuyenda kumafaro tinototanga tanamata haikona
(Ahe-e tinototanga tanamata)
Kana tikadhakwa tinototanga tanamata Baba
(Ahe-e, ahe-e tinototanga tanamata)
Kuyenda kumafaro tinototanga tanamata haikona
(Ahe-e tinototanga tanamata)
Kana tikadhakwa tinototanga tanamata Baba
(Ahe-e, ahe-e tinototanga tanamata)
Lyrics powered by www.musixmatch.com