Lyrics
Mumhuri nemhuri mukugara, mupasi rose rino
Hamushaikwe mumwe anotodzera zvayiitwa nevemudzinza ravo
Angave baba, kana sekuru, kana kuti babaminini
Madzimai mukubarwa mudzimhuri imomo
Hamushaikwe mumwe ane zviito zvaanotodzera
Vangave amai, vangave tete, kana kuti ambuya
Munhu nemunhu mukusikwa mupasi rose rino
Hamushaye mumwe ane huso hwakafanana nehwake
Kana kuti mafambiro, nematauriro, kana masekero
Vanhu tese mukugarisana nemuhuvakidzani
Ngativei tichiwadzana nguva dziri dzose zvadzo
Tichisimbisa hukama, hushamwari nehusahwira
Uhwo hwakanzi hunokunda hukama
Chimwe nechimwe mukusikwa naivo Mwari, zvakanzi
Chizova nenhoroondo nemirangaridzo yacho
Apo pachinenge chazosanganidzana nechakada kudaro
Wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe
Mudikani wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe
Zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe

Lyrics powered by www.musixmatch.com