Lyrics

Mumhuri nemhuri mukugara, mupasi rose rino Hamushaikwe mumwe anotodzera zvayiitwa nevemudzinza ravo Angave baba, kana sekuru, kana kuti babaminini Madzimai mukubarwa mudzimhuri imomo Hamushaikwe mumwe ane zviito zvaanotodzera Vangave amai, vangave tete, kana kuti ambuya Munhu nemunhu mukusikwa mupasi rose rino Hamushaye mumwe ane huso hwakafanana nehwake Kana kuti mafambiro, nematauriro, kana masekero Vanhu tese mukugarisana nemuhuvakidzani Ngativei tichiwadzana nguva dziri dzose zvadzo Tichisimbisa hukama, hushamwari nehusahwira Uhwo hwakanzi hunokunda hukama Chimwe nechimwe mukusikwa naivo Mwari, zvakanzi Chizova nenhoroondo nemirangaridzo yacho Apo pachinenge chazosanganidzana nechakada kudaro Wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe Mudikani wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe Zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe Zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe Wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe Mudikani wandirangaridza chegore riye, wandirangaridza iwe Zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe Zvawaita zvandirangaridza chegore riye, hii wandirangaridza iwe
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out