Lyrics

Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu Huwo-huwo, kunyarara kwauya Huwo-huwo, kunyaradzwa kwauya Enda undoudza nyika uti kuchema kwapera Enda undoudza nyika uti kuchema kwapera Enda undoudza vanhu uti kuchema kwapera Enda undoudza vanhu uti kurwawo kwapera Zvakaipa zvenyika ino zvaregererwa Zvivi zvangu newe iwewe zvaregererwa Takagashira kurobwa kwakaringana Kunoindirana nezvivi zvatakabata Ndokugashira kuedzwa kwakaenderana Kune fananidzo yorutendo rwatiinarwo Ah! Gadzirai nzira yaShe murenje Ruramisai mugwagwa waMwari wedu Tochideredza nhasi zvikomo zvakakwirira Kuti zvienderane nenzvimbo dzamapani Tochideredza hona zvikomo zvakakwirira Kuti zvienderane nenzvimbo dzamapani Tochizadzisa mipata namakoronga Kuti zvienderane nenzvimbo dzamapani Uve muchechetere hona pamoyo yeduwo Uve muchechetere mumoyo yeduwo Uve muchechetere hona pamoyo yeduwo Uve muchechetere mumoyo yeduwo Nzira yaShe kana yarurama Mugwagwa waShe kana waruramiswa, hona Muchava chishamiso choridzirwa namanja Tichakupaiwo simba remhemberero Inzwi rokuseka nenzwi rokufara Nechiedza chomwedze usingadzimi Ndiye Jesu iyeye, hoho, iyeye Ndiye Jesu varume Uyu Mwari achapukuta misodzi yenherera Yechirikadzi vakasuwa Kuti vanhu vaone Nokuziva Nokurangarira Nokunzwisisa kuti Ndiye, ndiye Mwari wavo Nzira yaShe kana yarurama Nzira yaShe kana yaruramiswa Ah! Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu Huwo-huwo, kunyarara kwauya Huwo-huwo, kunyarara kwauya Neni ndine vimbiso yandakapiwa Kuti ndikupei venyika ino NdiJeso uyu Iwe usatya hako ndakakudzikinura Ndakakudana nezita rako uri wangu Nemumvura zhinji ndichava newe Nzizi huru sei haunganyuri Murazvi nemoto haungapiswi Ah, ndiri Mwari wako ndichakusimbisa Zvirokwazvo ini ndichakubatsira, wowo-wowo Gadzirai nzira yaShe Ruramisai nzira yaMwari wedu Gadzirai nzira yaShe Ruramisai nzira yaMwari wedu Toruramisa nhasi nzira yaShe murenje Toruramisa nhasi nzira yaShe mugwenga Toruramisa nhasi nzira yaShe murenje Toruramisa nhasi nzira yaShe mugwenga Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu Nyaradzai vanhu, nyaradzai vanhu vangu Huwo-huwo, kunyarara kwauya Huwo-huwo, kunyarara kwauya
Lyrics powered by www.musixmatch.com
instagramSharePathic_arrow_out